Acts 25

Pauro pamberi paFesitasi

1Zvino Fesitasi wakati asvika padunhu iro, shure kwemazuva matatu akakwira kuJerusarema achibva Kesariya. 2Zvino mupristi mukuru nevakuru veVaJudha vakamhan'arira Pauro kwaari, vakamukumbirisa, 3vachikumbira nyasha dzinopikisana naye, kuti amudanire kuJerusarema, vakavandira kuti vamuuraye panzira. 4Asi Fesitasi wakapindura, kuti Pauro wakachengetwa paKesariya, uye kuti iye amene wakange okurumidza kuendako. 5Akati: Naizvozvo avo vanokwanisa pakati penyu ngavaburuke neni; kana pane chisina kururama kumurume uyu, ngaamupe mhosva.

6Wakati agara pakati pavo mazuva anopfuura gumi, wakaburukira Kesariya; chifume agara pachigaro chekutonga akaraira kuti Pauro auiswe. 7Zvino wakati asvika, VaJudha vakaburuka vachibva kuJerusarema vakamira vakamukomba, vachiuisa mhosva zhinji uye dzinorema pana Pauro, dzavakange vasingagoni kusimbisa, 8iye achizvidavirira akati: Kumurairo weVaJudha, kana kutembere, kana kuna Kesari handina kutadza chinhu. 9Asi Fesitasi achida kufadza VaJudha, wakapindura Pauro akati: Unoda here kukwira kuJerusarema, unotongwako pamusoro pezvinhu izvi pamberi pangu? 10Asi Pauro akati: Ndimire pamberi pechigaro chekutonga chaKesari, pandinofanira kutongwa; kuVaJudha handina kuita zvisakarurama, sezvamunozivisisa imwiwo. 11Nokuti kana ndakatadza uye ndakaita chinhu chakafanira rufu, handirambi kufa; asi kana pasina chinhu chezvinhu zvavanondipira mhosva ivo, hakuna munhu anogona kundikumikidza kwavari pachena. Ndinoikwidza kuna Kesari. 12Ipapo Fesitasi ataurirana nedare remakurukota, akapindura akati: Waikwidza kuna Kesari? Kuna Kesari uchaenda.

Pauro pamberi paAgripa

13Zvino mamwe mazuva akati apfuura, mambo Agripa naBhenike vakasvika kuKesariya kuzokwazisa Fesitasi. 14Vakati vagarako mazuva mazhinji, Fesitasi akarondedzera zviri maererano naPauro kuna mambo, achiti: Kune umwe murume wakasiiwa naFerikisi ari musungwa, 15wandakati pandakange ndiri kuJerusarema, vapristi vakuru nevakuru veVaJudha vakamumhan'arira, vachikumbira mutongo unopokana naye. 16Vandakapindura, kuti haisi tsika yeVaRoma kukumikidza pachena chero munhu kurufu, uyo anopiwa mhosva asati ambotarisana nevanomupa mhosva, akagamuchira mukana wekuzvipindurira maererano nemhosva. 17Naizvozvo vakati vaungana pano, pasina kunonoka, nezuva raitevera ndakagara pachigaro chekutonga, ndikaraira kuti murume auiswe. 18Vamhan'ari vakamusimukira vakasamupa mhosva yezvandaifungira ini, 19asi vaiva nezvimwe zvavaimupikisa maererano nechitendero chavo, uye zveumwe Jesu wakange afa, Pauro waaiti mupenyu. 20Zvino ini zvandakange ndisina chokwadzi maererano negakava rakadai, ndakati anoda kuenda kuJerusasrema here, anotongwa ikoko pamusoro pezvinhu izvi. 21Pauro wakati aikwidza kuti achengeterwe mutongo wamambo mukuru, ndakaraira kuti achengetwe, kusvikira ndichimutumira kuna Kesari. 22Agripa ndokuti kuna Fesitasi: Neni ndinoda kunzwa munhu uyu. Iye akati: Mangwana muchamunzwa.

23Naizvozvo chifume, Agripa wakati asvika naBhenike, vachionekera kwazvo, vakapinda mumba mekutambira mhosva, nevatungamiriri vezvuru, nevarume vakuru veguta, Fesitasi araira, vakauya naPauro. 24Zvino Fesitasi akati: Mambo Agripa, nevarume vese vari pano nesu, munoona uyu, chaunga chese cheVaJudha wachakandikumbira zvese paJerusarema nepano, vachidanidzira kuti haafaniri kuramba achirarama. 25Asi ini ndakati ndawana kuti haana kuita chinhu chakafanira rufu, uye kuti iye pachake waikwidza kuna mambo mukuru, ndagura kumutumira. 26Asi handina chinhu chakasimba chandinganyorera ishe pamusoro pake. Naizvozvo ndauya naye pamberi penyu, uye zvikuru pamberi penyu, mambo Agripa, kuti mamuongorora, ndingava nechandinganyora. 27Nokuti ndinoona zvisina musoro kutuma musungwa, pasina kutaridzwawo mhosva dzakanangana naye.

Copyright information for Shona